Dzidza izvi hama hangu

Dzidza izvi hama hangu Pasi rino rizere nevanhu vane rudo Rumwe rudo nderwe chokwadi asi rumwe nderwemanyepo Asi munhu umwe neumwe ane zvaanokudira Vamwe vanokuda nekuda kwekuti ivo vanoona sevari pari nani panewe Vamwe vachikudawo nekuda kwekuti vanoona seuri parinani pavari Vamwe vanokudira kuti uri murombo Vamwe vachikudira kuti unoshanda zvakanaka Vamwe ndovanokudira zvaunazvo Vamwe vachikudira zvaunogona kuwana uchizovapa Ishe Jesu chaivo vaigaro teverwa ne vanhu vakawanda nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana Vamwe vaitevera vachida kuwana/kupiwa zvekudya Vamwewo vaida kuona mashura nezviratidzo Vamwe vaida rubatsiro rwechokwadi /kuporeswa pamwe nekuponeswa Asi vamwe vaimutevera vachitsvaka nzira yekumuuraya Nhasi kumakuva nemuzvipatara kwakazara ne vanhu vaiita zvakarurama asi vakatsiviwa nezvakaipa ,hutsinye Asi shoko raMwari rinoti ,"Naizvozvo mirai makasimba musimba rake guru risingakundikane, . Pfekai nhumbi dzamunopiwa na Mwari dzekurwa nadzo ,kuti mugomira muchirwa nemano a satani pazuva rakaipa" VaEfesa 6:10-11 Usabatsire munhu uchitarisira kuzobatsirwawo kana kutendwa ne munhu , ita zvakanaka chete Mwari vachakupukuta misodzi yako Varipi vanhu vaMwari vaiparidza denga richizaruka ? Vakabatsirika zvikuru nekuparidza kwavo ndivo vakazova vatengesi vavo vakuru Shoko robva rati ,"Magumo ezvinhu zvese ava pedyo ,naizvozvo ngwarai ,mutsungirire pakunamata "1 Peter 4:7 Ivai nemanhuru akanaka ,muwanirwe Nyasha na Jehovah

Comentários

Mensagens populares deste blogue

LOCALIZACAO GEOGRAFICA DO DISTRITO DE MOSSURIZE

LISTA DE FREQUÊNCIAS E SATÉLITES A RECEBER EM ÁFRICA