Dzidza izvi hama hangu

Dzidza izvi hama hangu


Pasi rino rizere nevanhu vane rudo 

Rumwe rudo nderwe chokwadi asi rumwe nderwemanyepo


Asi munhu umwe neumwe ane  zvaanokudira


Vamwe vanokuda nekuda kwekuti ivo vanoona sevari pari  nani  panewe

Vamwe vachikudawo nekuda kwekuti vanoona seuri parinani pavari

Vamwe vanokudira kuti uri murombo

Vamwe vachikudira kuti unoshanda zvakanaka

Vamwe ndovanokudira zvaunazvo

Vamwe vachikudira zvaunogona kuwana uchizovapa


Ishe Jesu chaivo  vaigaro teverwa ne vanhu vakawanda nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana


Vamwe vaitevera vachida kuwana/kupiwa zvekudya 

Vamwewo vaida kuona mashura nezviratidzo

Vamwe vaida rubatsiro rwechokwadi /kuporeswa pamwe nekuponeswa

Asi vamwe vaimutevera vachitsvaka nzira yekumuuraya 


Nhasi kumakuva nemuzvipatara kwakazara ne vanhu vaiita zvakarurama asi vakatsiviwa nezvakaipa ,hutsinye 


Asi shoko raMwari rinoti ,"Naizvozvo mirai makasimba musimba rake guru risingakundikane, . Pfekai nhumbi dzamunopiwa na Mwari dzekurwa nadzo ,kuti mugomira muchirwa nemano a satani  pazuva rakaipa" VaEfesa 6:10-11


Usabatsire munhu uchitarisira kuzobatsirwawo kana kutendwa ne munhu , ita  zvakanaka chete Mwari vachakupukuta misodzi yako


Varipi vanhu vaMwari vaiparidza denga richizaruka ? Vakabatsirika zvikuru nekuparidza kwavo ndivo vakazova vatengesi vavo vakuru


Shoko robva rati  ,"Magumo ezvinhu zvese ava pedyo ,naizvozvo ngwarai ,mutsungirire pakunamata "1 Peter 4:7


Ivai nemanhuru akanaka  ,muwanirwe Nyasha na Jehovah

Comentários

Mensagens populares deste blogue

LOCALIZACAO GEOGRAFICA DO DISTRITO DE MOSSURIZE

LISTA DE FREQUÊNCIAS E SATÉLITES A RECEBER EM ÁFRICA