Dzidza izvi hama hangu
Dzidza izvi hama hangu
Pasi rino rizere nevanhu vane rudo
Rumwe rudo nderwe chokwadi asi rumwe nderwemanyepo
Asi munhu umwe neumwe ane zvaanokudira
Vamwe vanokuda nekuda kwekuti ivo vanoona sevari pari nani panewe
Vamwe vachikudawo nekuda kwekuti vanoona seuri parinani pavari
Vamwe vanokudira kuti uri murombo
Vamwe vachikudira kuti unoshanda zvakanaka
Vamwe ndovanokudira zvaunazvo
Vamwe vachikudira zvaunogona kuwana uchizovapa
Ishe Jesu chaivo vaigaro teverwa ne vanhu vakawanda nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana
Vamwe vaitevera vachida kuwana/kupiwa zvekudya
Vamwewo vaida kuona mashura nezviratidzo
Vamwe vaida rubatsiro rwechokwadi /kuporeswa pamwe nekuponeswa
Asi vamwe vaimutevera vachitsvaka nzira yekumuuraya
Nhasi kumakuva nemuzvipatara kwakazara ne vanhu vaiita zvakarurama asi vakatsiviwa nezvakaipa ,hutsinye
Asi shoko raMwari rinoti ,"Naizvozvo mirai makasimba musimba rake guru risingakundikane, . Pfekai nhumbi dzamunopiwa na Mwari dzekurwa nadzo ,kuti mugomira muchirwa nemano a satani pazuva rakaipa" VaEfesa 6:10-11
Usabatsire munhu uchitarisira kuzobatsirwawo kana kutendwa ne munhu , ita zvakanaka chete Mwari vachakupukuta misodzi yako
Varipi vanhu vaMwari vaiparidza denga richizaruka ? Vakabatsirika zvikuru nekuparidza kwavo ndivo vakazova vatengesi vavo vakuru
Shoko robva rati ,"Magumo ezvinhu zvese ava pedyo ,naizvozvo ngwarai ,mutsungirire pakunamata "1 Peter 4:7
Ivai nemanhuru akanaka ,muwanirwe Nyasha na Jehovah
Comentários
Enviar um comentário