Ivai vapsene muchidana

*Ivai Vatsvene muchidana*

.


*John 11vs 21*

Unonzwa Martha achiti kunaJesu

"dai manga muri pano Razaro asina kufa"

zvoreva kuti chakauraya Lazarus hakusi

kurwara but it was the absence of Jesus

panzvimbo.

Kushaikwa kwaJesu kunokonzera kufa

kwezvinhu muhupenyu, marriage ikashaya

Mwari inofa, munhu akashaya Mwari anoita

benzi..

The absence of Jesus causes death and havoc

but Jesu paanosvika anoti bvisa dombo

ndopaunoona Razaro anga ane 4 days

akunhuwa anobva amuka..

Zvoreva kuti hazvina basa kuti hupenyu hwako

hwanga hwava mamvemve sei , business rako

ranga rafa sei but panguva yaunongodaidza

Jesu chete panoita resurrection of the dead...

Kana Jesu vasvika mumba menyu munotanga

kunakidza, mabasa anotanga kuwanikwa...

Ukaverenga nyaya yemwana muparadzi Luke 15

vs 11 to 32.. Ukaverenga zvakanaka unoona

kuti mwana paaiswedera kure nababa vake

pfuma ndopayaipera..

Kubva kwaakaita kwakakonzera kurasikirwa

kwake nezvakawanda. Mari yakapera, shamwari

chaidzo dzakapera akasvika palevel yekuti

zvese zvaaiva nazvo "zvakafa" but

chinondifadza paverse 17 bhaibheri rinoti when

he came back to his senses akati regai

ndidzokere kuna baba..

Paakarangarira kuti kushaya kwangu ,

kutambura kwangu inyaya yekuti ndirikurarama

hupenyu hwangu ndiri kure nababa ,

ndirikurarama hwangu asi baba havapo..

Kutambura kwangu its because I am not

connected to the father who is the source of

wealth... Mwana muparadzi akatora nhanho

kudzokera kunaBaba baba vakamumhanyira

vakamupfekedza vakamupa zvekudya..

Ukapa hupenyu hwako kuna Mwari,

ukanzwisisa kuti kurarama uri kure naMwari

kunokonzera kufa kwehupenyu hwako tora

nhanho udzokere kunababa..

Provision and protection yaMwari inowanikwa

chete nevanofamba in the presence of God..

Ukagara kure naMwari zvako hapana

chinofamba.. wana nguva yekungonamata

uchiti Mwari ndigonesei ndifambe nemi,

pamunokomborera vamwe neniwo ndisapfuurwe

nemakomborero.

.

.

_*Ndinokushuvirai nguva yakanaka izere nemufaro uye ropafadzo inobva kuna Mwari akasika denga nenyika.*_

.

_Tinofamba nokutenda, kwete nekuona._

.

*Stay blessed with God's grace and power............ 🙏 🙏 🙏*

Comentários

Mensagens populares deste blogue

LOCALIZACAO GEOGRAFICA DO DISTRITO DE MOSSURIZE

LISTA DE FREQUÊNCIAS E SATÉLITES A RECEBER EM ÁFRICA