Ivai vapsene muchidana
*Ivai Vatsvene muchidana*
.
*John 11vs 21*
Unonzwa Martha achiti kunaJesu
"dai manga muri pano Razaro asina kufa"
zvoreva kuti chakauraya Lazarus hakusi
kurwara but it was the absence of Jesus
panzvimbo.
Kushaikwa kwaJesu kunokonzera kufa
kwezvinhu muhupenyu, marriage ikashaya
Mwari inofa, munhu akashaya Mwari anoita
benzi..
The absence of Jesus causes death and havoc
but Jesu paanosvika anoti bvisa dombo
ndopaunoona Razaro anga ane 4 days
akunhuwa anobva amuka..
Zvoreva kuti hazvina basa kuti hupenyu hwako
hwanga hwava mamvemve sei , business rako
ranga rafa sei but panguva yaunongodaidza
Jesu chete panoita resurrection of the dead...
Kana Jesu vasvika mumba menyu munotanga
kunakidza, mabasa anotanga kuwanikwa...
Ukaverenga nyaya yemwana muparadzi Luke 15
vs 11 to 32.. Ukaverenga zvakanaka unoona
kuti mwana paaiswedera kure nababa vake
pfuma ndopayaipera..
Kubva kwaakaita kwakakonzera kurasikirwa
kwake nezvakawanda. Mari yakapera, shamwari
chaidzo dzakapera akasvika palevel yekuti
zvese zvaaiva nazvo "zvakafa" but
chinondifadza paverse 17 bhaibheri rinoti when
he came back to his senses akati regai
ndidzokere kuna baba..
Paakarangarira kuti kushaya kwangu ,
kutambura kwangu inyaya yekuti ndirikurarama
hupenyu hwangu ndiri kure nababa ,
ndirikurarama hwangu asi baba havapo..
Kutambura kwangu its because I am not
connected to the father who is the source of
wealth... Mwana muparadzi akatora nhanho
kudzokera kunaBaba baba vakamumhanyira
vakamupfekedza vakamupa zvekudya..
Ukapa hupenyu hwako kuna Mwari,
ukanzwisisa kuti kurarama uri kure naMwari
kunokonzera kufa kwehupenyu hwako tora
nhanho udzokere kunababa..
Provision and protection yaMwari inowanikwa
chete nevanofamba in the presence of God..
Ukagara kure naMwari zvako hapana
chinofamba.. wana nguva yekungonamata
uchiti Mwari ndigonesei ndifambe nemi,
pamunokomborera vamwe neniwo ndisapfuurwe
nemakomborero.
.
.
_*Ndinokushuvirai nguva yakanaka izere nemufaro uye ropafadzo inobva kuna Mwari akasika denga nenyika.*_
.
_Tinofamba nokutenda, kwete nekuona._
.
*Stay blessed with God's grace and power............ 🙏 🙏 🙏*
Comentários
Enviar um comentário