Kanda jona mumvura
*Topic: Kanda Jona mumvura*
.
*Jona 1*
Boat rava kupepereswa nemhepo varidzi vechikepe vakarasa zvinhu zvavo vachifunga kuti maybe zvingadzikamisa chikepe kwete mhepo. Mwari ngaatibatsire shuwa, chanetsa imhepo zvinhu zvoraswa. Anyway, hapasiripo pane nyaya yangu. Machinda vaona kuti mhepo irikuramba ichitonyanyisa vakazofunga kutsvaga chakonzera mhepo iye Jona akarara zvake. Pandanzwa tsitsi, kuraswa kwaita zvizhinji because Jona achimo. Ndopandadzidza kuti pose paita dambudiko tinombomhanya papfungwa dzenyama tozozama zvimwe kana takundikana. Ndirikuona zvangu muchirasa zvizhinji paupenyu hwenyu kuzama kudzikamisa mhepo, haamo here Jona muupenyu hwenyu.
.
Ndirikuona zvangu history yenyu makamboita mari yaityisa mukazvifunga misodzi inoerera, makarasa zvizhinji, ndakaona Jona, rasai upombwe muone kuti hamudzoki pekare here? Every week hapashaye anorwara pamba mari zhinji yorasikira kurapisa arwara, tsvagai Jona, chimbozamai kutengerawo vabereki zvavanoda. Vana vanorara vachirotomoka usiku hwose kuchinjana rhythm, chimbovaendesai kuna mbuya nasekuru vavo vavashuva ( *Provebs 17vs6* , _vazukuru ikorona yavatana, kukudzwa kwavana ndiwo madzibaba avo_ ), hapana huroyi, machengeta Jona. Matambudziko ose amunawo baba haanei nezvamurikuzama zvichiramba, bvisai smallhouse iyo muone. Musatsvaga muroyi amai, karimo Jona mumoyo, taurirai murume kuti pavana 5 avo vavo vaviri.
.
Jona arimuupenyu hwako unomuziva, ndiwe unofanira kumubvisa kwete kuti abude oga. Be bold kusiya chivi. Jona chaiye haana kujamba oga kupinda mumvura, vakaita wekukandira mumvura *(Jona 1vs15)* . Usafunga kuti smallhouse ichafuma yakakuramba, Jona haasi kuzobuda oga kandira mumvura. Jona akabata upenyu hwako kanda mumvura aende. Hameno kana zvajeka?
Comentários
Enviar um comentário