Kuita hake seasiko

*Topic: Kuita hake seasiko (Haakotsire uye haarare)* 

|

 *Mark 4vs35-41* 

Jesu apinda zvake muboat akandorara zvake kumashure. Zvino kwakati kwauya dutu remhepo vadzidzi vakavhunduka chose vakabatwa nekutya kukuru but vanozoenda kundomutsa Jesu. Vanoti kunaJesu (vs38) _'Mudzidzisi hamunehanya kunyange tofa here?_ Haaaaah ini Jesu uyu ndamuda mhani. Boat richiita kunge richapidigurwa nemhepo iye avete zvake kuita seasimo.

|

Ndirikuparidzire umwe ane Marriage Boat rake rava kunyudzwa nedutu remhepo. Umwe Health Boat rake ravakutonyudzwa nemhepo. Employment Boat rako rava pakaoma nedutu remhepo. Pane mwana wechikoro ane Education Boat ranzwa nemhepo. Boat relife yako is under attack nemaEvil Spirits. Warasa tariro. Mukurangarira kwako unoti, 'Jesu mandirasa, Jesu muripiko, Jesu makatotama kani?'. Nhai Jesu asi marara kani?

|

Hama mudikanwi Jesu ariko mhani uye anokuda. Nguva yose vachifunga kuti arara. Chete pamwe pacho ukakundwa nesituation than scriptures unonyura. Dai machinda akarangarira kuti, Prophet Elijah nevaporofita vaBaari *(1Kings 18vs22-38)* , akamboseka vaporofita vaBaari akati zvimwe Mwari wenyu warara. Prophet Elijah akaziva kuti wedu Jehovha mupenyu haarari anodavira chero nguva. Ndiye woga anokwanisa kudzikamisa Boat rava kunyudzwa nemuvengi iro. N'anga hadzizvikwanisi dzinotodawo Jesu uyu nadzovo dzinawo maBoats ari patight nasatan. Vadzidzi vaJesu vakamumutsa akaraira dutu remhepo rikadzikama. Iwe situation yako is not exceptional. Anoita hake seasiko but ukamudeedza unomuona achipindira. Angaita searara but anomirira kudanwa newe, kumuka kwake akaraira zvikadzikama. Anga asina kurara, anga akamirira kudanwa. Itirwa nyasha. Amen.

Comentários

Mensagens populares deste blogue

LOCALIZACAO GEOGRAFICA DO DISTRITO DE MOSSURIZE

LISTA DE FREQUÊNCIAS E SATÉLITES A RECEBER EM ÁFRICA