Kunamata kuita sei

*KUNAMATA KUITA SEI*  


Part 1


🖐Kunamata hakusi kufumira kunoisa deco nekutsvaira kuchurch mumba ne yard yavamwene vako ichiita sepanogara mhuka.


🖐Ukaona muromo waunotaura nawo ndimi nekuimbisa ma hymns uriiwo, umwe chete waunonyeya nawo vamwene vako, nehama dzemurume wako mmmmm hausati wavakunamata


🖐Kunamata hakusi kusunga svinga rema dreads anodhura, amwene or mai vako usina kumbosunga or kuvatengera svinga rehuni sekunonzi muroora arikujeri


🖐Ukaona usati wapfirira kitchen yaamai or vamwene, inobvinza iya, iwe musoro uchipfirira every  2 weeks ne weave, enda hako kubhawa nevamwe, hausati waziva chinonzi kunamata


🖐Fariro inoita hove dzemu-glass dzemavara dziya, dziri mumba mako ndokufara kunoitawo hama dzemurume wako here kana dzakushanyira?


🖐Usavi hwembwa nekiti hurimo mu-budget, asi vabereki vachiita musuva miviri nedemba rimwe


          *Tati kunamata kudiii*


🙏Kunamata hakuudzwe vanhu kuti mazuva ano ndakunamata. *pupurirwa nemabasa nehama dzako*


🙏kunamata kuziva kuti iwe nemurume wako makaberekwa. *kuda kwaunoita mai vako, ngazvidaro navamwene zvisinei nema short comings avo*


🙏Kunamata kufambidzana nevavakidzani uye hama dzekwawakabva nekwawaka wanikwa. *love thy neighbor bfo yu love thy vanhu vekuchurch*


🙏vana mufundisi ndavana baba vedu hongu, asi madaidziro aunoita *"baba"* mufundisi OR *"father"*

*Munovengesa mafundisi nevabereki* vachiti ndovakatotora nzimbo dzedu muvana vedu



🙏Maitiro amunoita nemamwe madzimai or varume vekuchurch kuitana vakoma, hanzvadzi zvinodadisa chose kana ariwo mawirirane aunoita nevakoma, hanzvadzi nevanin'ina vako *IROPA RA JESU UPI RINOKUVENGESA VEROPA RAKO*


🙏Isaiah 58 inoti kutsanya chaiko hakusi kungoramba zvekudya, asi kugoverana nevasina, uye nekuva nehanya navarombo nekusafuratira veropa rako *thats TRUE BIBLE FASTING*


📖Mateo 25 vs 41_46

📖James 2 vs 9_14


🙇 *MWARI VANOTSVAGA VANOMUNAMATA MUMWEYA NEMUZVOKWADI*


😏 *KUNAMATA RUDZII KWEKUTI VAKAKUKOMBEREDZA VAKANZWA UCHI CHEMA NEKUNAMATA VANOTUKA MWARI WAKO*


more to come pa part 2

Comentários

Mensagens populares deste blogue

LOCALIZACAO GEOGRAFICA DO DISTRITO DE MOSSURIZE

LISTA DE FREQUÊNCIAS E SATÉLITES A RECEBER EM ÁFRICA