Ministrando o casamento
PREACHING
Prayer
Word
Prayer
CELEBRATION
1.prayer(standing b4 brides to start celebrating)
2.vadikani,tiri pano pamberi paMwari nepamberi peungano,kuti tisanganise(name of boy) na (name of girl) patsvitsa tsvene.
Ichi chinhu chakanaka,chakaitwa naMwari vanhu vasati vave muzvakaipa.Chinotionesa kuzvisanganisa kwaKristu neungano yake,chinhu chitsvene.Kristu wakachitenda nokuti wakaita chishamiso paKana reGarirea,zvakare inotendwa naPauro kuti yakanaka,inofanira kukudzwa navanhu vese.
NOKUDARO MUCHATO CHINHU CHAKADAI:
Hazvina kufanira kuti uitwe kana kupindwa nekusaziva,wakafanira kubatwa nekuziva,nekuzivisisa,nekuzvibata nokutya Mwari,uye zvirege kukanganwika zvinhu zvawakamisirwa.
Muchato wakaitirwa kuti vanhu vavepo panyika,vabereke vana vavo pakutya Mwari,kuti zita rake dzvene rikudzwe.Wakaitirwazve kuti kuvepo kuwadzana nekufadzana mumwe nemumwe pakuropafadzwa nepanhamo.
Nhasi ava vaviri vauya kuzosanganiswa patsvitsa tsvene.
3.Ndiyani anopa(name of girl)kuti achate na(name of boy)?Ndini ndinopa.......kuti achate na ........!!!
4.Kana aripo pano munhu anoziva chinhu chokuti vaviri ava havafaniri kusanganiswa ngachitaure zvino????
Kana asingazvitauri zvino nganyarare nekusingaperi!!!! Applause!!
5.The couple to stand up and face each other(they don't hold hands)
Iwe...........unotora here musikana uyu ,kuti ave mukadzi wako wemuchato,kuti mugare pamwe chete pamurairo waMwari mutsvene?Unozomuda here,umufadze,umukudze,umuchengete,pakurwara,nepaupenyu,urege vamwe vose vakadzi ubatirire kwaari iye oga panguva yeupenyu hwenyu muri vaviri?unozodaro here?....hongu ndinozodaro
NB,ask woman same question.
6.Facing each other,zvino ngavabatane maoko murume atevedzere achiti kumukadzi:
Ini.........ndinotora iwe........kuti uve mukadzi wangu wemuchato , ndikuchengete,kubvira nhasi,nemazuva anouya,kana zvakanaka kana zvakaipa,paupfumi nepaurombo,pakurwara nepaupenyu,ndikude,ndikufadze,kudzamara rufu rutiparadzanise,maererano nemurairo waMwari mutsvene.Apa ndipo pandinopika mhiko yangu.applause!!
NB,girl to say same things above
7.MHETE
Mufundisi anotora mhete odzinyengeterera.mushure mekudzinyengeterera uku anoti:
Kunyange zvazvo mhete idzi dziri diki pakuona kwemeso,dzine ukoshi nechiremera zvikuru kwazvo.Dzakagadzirwa nesimbi inokosha,zvichitiyeuchidza kuti rudo handi chinhu chenhando kana chiri nyore kuwana,asi kuti chine mutengo wepamusoro.Kugadzirwa dziri denderedzwa kwadzo,kunoreva kuti harufaniri kuguma,asi takafanira kuripfuudza mberi nekurichengetedza.Apo muchazopfeka idzi mhete,muri mose kana mambopatsanurana,ngadzive kwamuri semucherechedzo wemhiko dzemufaro dzamuri kuita muzuva ranhasi.
MURUME NGATI:
Neiyi mhete, ndakuchata muzita raBaba,reMwanakomana nereMweya mutsvene.Amen
MUKADZI NGATI:
Neiyi mhete,ndakuchata muzita raBaba,remwanakomana nereMweya mutsvene.Amen
8.Then shall the minister join their right hands together and with his hand on their united right hands and pray saying:
Mwari baba,Mwari mwanakomana,Mwari Mweya Mutsvene,muvakomborere kubva nhasi.Ishe wedu muvachengete kudzamara nepanyika inozouya.
Ngoni dzaIshe wedu,rudo rwaMwari baba,nokuwadzana kweMweya,ngazvive nemi narini . Amen
9.Izvo zvabatanidzwa naMwari,munhu ngaarege kuzviparadzanisa.Sezvo..........na............vatenderana kupinda patsvitsa tsvene,vakaita uchapupu pamberi peungano iyi,varatidza chokwadi chavo nokupana mhete nokugamuchidzana maoko,ndinodaidzira kuti zvino vave murume nemukadzi,muzita raBaba,neroMwanakomana,neromweya Mutsvene.Amen
10.kuvhura mudzimai.
11.kiss
12.change of position(seated holding hands)NB,kana aive akasungwa anosunungurwa.
13.signing-the book
-mukomana
-musikana
-padrinho
-madrinha
-pastor celebrated,and he stamps
14.Reading to the church the marriage certificate and presenting it to bridegroom and bride
15.cake/bolo and drink
Boy-girl
Girl-boy
16.congratulate them/parabens
17.zvipo
18.food and photos
*The end*
Pastor L Sitole
20/11/2019
ESPUNGABERA,MOZAMBQUE
Comentários
Enviar um comentário